Shona

Shona: Karanga



Audio

"Sezvazvakanyorwa zvichinzi: 'Hakuna akarurama, kunyange nomumwe.' "   Varoma 3:10

   "Nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari."   Varoma 3:23

   "Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu."   Varoma 6:23

   "Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira."   Varoma 5:8

   "Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi."   Johani 3:16

   "Kana tichireurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama, uye achatikanganwira zvivi zvedu agotinatsa pakusarurama kwose."   1 Johani 1:9

   "Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa.  Nokuti unotenda nomwoyo wako ugoruramiswa, uye unopupura nomuromo wako ugoponeswa."   Varoma 10:9-10

   "Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari,."   Johani 1:12

   "Jesu akapindura akati, 'Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri.' "   Johani 14:6

   "Nokuti sezvo Baba vachimutsa vakafa uye vachivapa upenyu, saizvozvo Mwanakomana anopa upenyu kuno uyo waanofarira kuti ape."   Johani 5:21

   "Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari, kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza."   Vaefeso 2:8-9

   "Zvino hama, ndinoda kukuyeuchidzai vhangeri randakakuparidzirai, iro ramakagamuchira uye ramakamira mariri.  Nokuti zvandakagamuchira sezvinokosha pakutanga ndizvo zvandakakupaiwo: kuti Kristu akafira zvivi zvedu sezvazvakanyorwa muMagwaro,  kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro."   1 Vakorinde 15:1,3-4

   "Naizvozvo reururai zvivi zvenyu kuno mumwe nomumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda."   Jakobho 5:16

   "Shamwari dzinodikanwa, ngatidananei, nokuti rudo runobva kuna Mwari. Mumwe nomumwe anoda akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari.  Ani naani asingadi haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo."   1 Johani 4:7-8

   "Naizvozvo vadikani, sezvo mava kuziva zvinhu izvi, garai makarindira kuti murege kutsauswa nokudarika kwavasina murayiro uye mukawa kubva pakusimba kwenyu.  Asi kurai munyasha nomukuziva Ishe noMuponesi wedu, Jesu Kristu.  Ngaave nokubwinya zvino uye nokusingaperi. Ameni.   2 Petro 3:17-18

Nokuti vanhu vose vakatadza vakatadzira mbiri inoponesa yaMwari. Varoma 3:23 Nokuti mubayiro wezvitadzo, rufu, asi chipo chaMwari chamunopiwa pachena ndihwo upenyu husingagumi muna Kristu Jesu Tenzi wedu. Varoma 6:23 Nokuti imi makaponeswa nenyasha dzaMwari pamusoro pokutenda kwenyu. Hamusimi makaita izvi kwete, asi chaive chipo chaMwari. Saka regai kuzvikudza henyu nokuti izvi hazvina kuitwa nesimba renyu kwete. Vaeveso 2:8-9 Asi uya muteresi akamira hake ari kure, asingadi nyange kutarira kudenga. Akazvirova chipfuva chake akati, 'Mwari ndinzwirei tsitsi ini mutadzi.' Ruka 18:13 Naizvozvo Mwari akadisa pasi kwazvo, saka akapa Mwana wake mumwe chete akaberekwa achingova oga, kuti ani naani anodavira kwaari arege kufa, asi kuti ave noupenyu husingagumi. Mwari haana kutuma Mwana wake pasi pano kuuya kuzopa mhosva kune pasi, asi akauya kuzoponesa pasi. Johane 3:16-17 Hamuna kuwirwa nomuedzo usiri wavanhu vose, asi iye Mwari, akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura masimba amunawo, asi panguva yokuedzwa kwenyu anokupai simba rokushingirira nenzira yokupunyuka nayo. I Vakorindi 10:13 Nokuti ndine chokwadi chokuti hakuna chinhu chingatipatsanisa kubva murudo rwake: nokuti hakuna rufu kana upenyu, kana vatumwa vaMwari kana masimba anotonga zvokudenga, kana zvinhu zviripo kana zvinhu zvichauya, kana zviri kumatenga kana zviri pasipasi, hakuna chimwe chinhu chakasikwa chichazokwanisa kutipatsanisa murudo rwaMwari rwatinarwo muna Kristu Jesu Tenzi wedu. Varoma 8:38-39 Kristu ndiye akagumisa kukosha kwomutemo kuitira kuti ani naani anotenda aruramiswe naMwari. Varoma 10:4 Nokuti ndiye anoti: "Nenguva yakafanira ndakateerera ndikanzwa zvawaireva. Pazuva rokuponeswa ndakakubatsira." Onaka iye zvino ndiyo nguva yokunzwira tsitsi. Onaka iye zvino ndiyo nguva yokuponeswa. II Vakorindi 6:2 Zvino vanhu vakati vanzwa zvinhu izvi, vakabayiwa mwoyo ndokuti kuna Pita navamwe vanyai valesu, "Zvino nhai hama, tingaiteiko?" Ipapo Pita akavapindura achiti, "Pindukai mupfidze zvitadzo zvenyu, mumwe nomumwe wenyu aombekwe, kuitira kuti muregererwe zvitadzo zvenyu, mugopiwa chipo chaMweya Anoera." Zviito 2:37-38 Pfekai munhu mutsva akasikwa akafanana naMwari pakururama, noutsvene hwechokwadi. Vaefeso 4:24 Sezvazvakanyorwa zvichinzi: "Hakuna munhu akarurama kunyange mumwe chete zvake. Varoma 3:10 Saka zvitadzo zvazvakapinda munyika nokuda kwomunhu mumwe chete, asi rufu rwakasvikira vanhu vose nokuti vanhu vakatadza vose. Varoma 5:12 Nokuti paya patakanga tisina nechokuita, panguva iyoyo Kristu ndipo paakafa, achifira vanhu vasingadi Mwari, achivafira panguva yakakodzera. Varoma 5:6 Asi Mwari akaratidza rudo rwake kwatiri isu, nokuti Kristu akatifira paya patakanga tichiri vatadzi. Varoma 5:8 Mweya Anoera ndiye akaratidza namasimba, kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari. Mweya akaratidza izvi achimutsa Jesu Kristu TENZI wedu kuvafi. Varoma 1:4 Nokuti tinoziva kuti Kristu zvaakamuka mukufa, haachazofizve kwete. Rufu haruchina simba pamusoro pake. Varoma 6:9 Kana uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Tenzi, uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa mukufa, uchazoponeswa. Varoma 10:9 Nokuti zvinyorwa zvinoera zvinoi, "Ani naani anonamata Tenzi, achazoponeswa." Varoma 10:13 Nokuti ndine chokwadi chokuti hakuna chinhu chingatipatsanisa kubva murudo rwake: nokuti hakuna rufu kana upenyu, kana vatumwa vaMwari kana masimba anotonga zvokudenga, kana zvinhu zviripo kana zvinhu zvichauya, kana zviri kumatenga kana zviri pasipasi, hakuna chimwe chinhu chakasikwa chichazokwanisa kutipatsanisa murudo rwaMwari rwatinarwo muna Kristu Jesu Tenzi wedu. Varoma 8:38-39